DHATANI NA KORA
Teerera, iwe unofamba navanhu! Haasi munhu wose anofamba newe achakupinza kudenga! Mwari akati kuna Mozisi: “Zviparadzanisei nematende evanhu vakaipa ava!” (Numeri 16:26)
Kora akasimuka, Dhatani akatsigira, Abhiramu wo vakabatana, mazana akatevera. Muromo wakava bakatwa, godo rikava moto, Vachipikisa hurongwa, vakazvikokera rufu.
Pasi pakashama muromo, nyika ikavamedza, Matende avo nezvose zvavo zvikaparara. Haiwa, munhu, dzidza pane zvakaitika, Usatambe nechivi usingatyi Mwari!
Dhatani naKora! Haiwa, chenjera! Usatevera mhomho ichienda kumawere! Kana chivi chava musangano, ibva! Kana makuhwa ava mutemo, ibva!
Usamira mumatende avo, buda!Usagoverane navo mugumo wavo! Chivi chomumwe chinogona kukukwevera, Pasi parinovhurika, uchawira pamwe naye!
Harusi ruvengo, kusiya nzira yakaipa, Hakusi kuzvikudza, kuramba kupandukira. Munhu anodyara mhepo, anokohwa dutu, Anovaka kupesana, anoputsa rugare.
Usafukidze godo nejasi rechokwadi, Usashevedza kupanduka kuti rusununguko. Ongorora shamwari, ongorora musangano, Usarasikirwa nomweya uchidzivirira chivi!
Mwari, tiponese pamweya wokupanduka! Tiponese parurimi runoparadzanisa! Tipe ushingi hwokubuda muchivi, Tisamedzwe pamwe navasingadi kururama!
Dhatani naKora! Inzwa yambiro! Numeri gumi nenhanhatu inotaura! Usatevera vazhinji vachirasika, Usatengese mweya nokuda kweshamwari!
Kana Mwari ati, “Ibva pakati pavo!” Usanonoke, usatambe, teerera! Zvirinani kumira uri woga muchokwadi, Pane kuparara uri pakati pemhomho!
“Bvai pakati pavo, muzviparadzanise,” Ndizvo zvakadanwa naMwari! (Numeri 16:26; enzanisa na2 VaKorinde 6:17.)
Sir Chaxi! Shamwari dzinokwevera kuchivi hadzisi nhaka! ZVIPARADZANISE NEKUPANDUKIRA, USAMIRIRA MUTONGO!
Dhatani ma kola murimo muchechi dzanhasi
Always against Man of God,Hakuna chamuwiirirana naye, ASI ndiye akatumwa,ndiye Ane gwara iwe woshora!
Sir Chaxi!