MUTI WACHO WAISAVA NYAYA
[ei mubindu reEdheni? Muti wacho here ndiwo waive musimboti wenyaya? Kana kuti paive nemumwe mutadzi wakavanda mumoyo?
Teerera Shoko! Hatisi kutengesa fungidziro, Tiri kutsvaga zvinorehwa neShoko raMwari!
Mwari vakati, “Usadya,” Nyoka ikati, “Hautongofi!” Pakapindana mazwi maviri, Munhu akasarudza inzwi ripi?
Hapana pakanyorwa kuti iapuro, Hapana pakataurwa kuti yaive mango, Asi Shoko rinoburitsa pachena, Kusateerera ndiko kwakavhura dhoo!
Hauna kungoruma muchero, Wakaruma chirauro chekunyengera, Hauna kungomedza chikafu, Wakafuratira Muridzi woupenyu!
Muti wacho waisava nyaya here? Nyaya yaive pamoyo here? Kana Shoko raMwari rarambwa, Ndiani achazovhara gomba?
Muti wacho waisava nyaya!(Nyaya yaive pakuteerera!)
Chibereko hachisi musimboti!(Kusateerera ndiko kwakawira munhu!)
Adhamu akawira pasi, Jesu akasimudza vakawa! Nekusateerera kwakauya rufu, Nekuteerera kwaKristu, tariro yakauya!
Muti wacho waisava nyaya!(Moyo ndiwo wakasarudza!)
Nyoka yakauya nemashoko anotapira, Ikaputira chepfu neshuga, Ikati, “Ivai savanamwari,” Munhu akazvikudza, akakanganwa Musiki!
Meso akaona, moyo ukachiva, Nzeve dzakanzwa, hana ikanyarara, Shoko raMwari rikaiswa pamubvunzo, Rimwe inzwi rikapiwa chigaro!
Zviripo nanhasi, Edheni harisati rapera, Nyoka ichiri kutaura nemamwe mapurupiti, “Usateerera Mwari, teerera moyo wako!” Asi moyo unonyengera, ndiani achautungamirira?
Chokwadi chinorwadza asi chinoponesa, Nhema dzinotapira dzichizopedzisira dzavava, Usayera chokwadi nekutapira kwemashoko, Yera zvose neShoko raMwari!
Haiwa Adhamu, wakasiya inzwi raBaba, Ukateerera mutorwa mubindu rako! Haiwa munhu, unodzokorora nhoroondo, Mwari vachitaura, iwe uchitsvaga rimwe shoko!
Asi tarira pamuchinjikwa, Pane Mumwe akateerera kusvika kurufu, Jesu Kristu, Adhamu wekupedzisira, Akavhura nzira yevakanga varasika!
Muti wacho waisava nyaya!(Kuteerera ndiko kwaiva nyaya!)
Adhamu akawira pasi!(Jesu akauya kuzoponesa!)
Mumwe akaunza rufu, Mumwe akauya noupenyu! Apo chivi chakawanza, Nyasha dzaMwari dzakakunda!
VaRoma chitsauko cheshanu, verenga unzwisise! Ndima yegumi nepfumbamwe inotiratidza: Nekusateerera kwemumwe, vazhinji vakaitwa vatadzi; Nekuteerera kweMumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.
Haisi nyaya yemazino chete, Inyaya yemoyo neinzwi raunoteerera!
Muti wacho waisava nyaya… Kuteerera Mwari ndiko kwaiva nyaya!
Sir Chaxi! Shoko ngaritaure!