Frobits
🎵 A song made on Frobits

Munondirangarira

Chaxi · 🇿🇦 South Africa
0:000:00
Download Remix
Make your own song
Continues securely on the web
Lyrics

Kune

vanhu

vasingamiriri

kuti

uvakumbire

rubatsiro,

Vanoona

kunyarara

kwako,

vanonzwa

kusavapo

kwako.

Vobva

vafona

vachiti,

“Ndanga

ndichida

kuziva

kuti

wakadini,

Mazuva

ano

wanyarara.”

Mwari

vakuropafadzei,

vanhu

vakadaro!

Ndanyarara, havana kundikanganwa, Ndavanda mumisodzi, havana kundisiya, Pasi pose pasina anoziva zviri mumoyo, Asi vamwe vanonzwa kurwadza kwekunyarara kwangu.

Havasi

vose

vanouya

kana

tafuma,

Havasi

vose

vanogara

kana

tava

pasi,

Asi

kune

vane

rudo

rusingayerwi

nemari,

Vanonditsvaga

kunyange

ndisina

Munondirangarira,

Mwari

vakuropafadzei,

Kana

ndanyarara,

munondibvunza

kuti

ndiri

sei.

“Ndanga

ndichikutarisa,

mazuva

ano

wanyarara,”

Mashoko

mashoma,

asi

anoporesa

Munogara

munzvimbo

yakakosha

mumoyo,

Rudo

rwenyu

runondipawo

simba

rekumira.

Kana

nyika

yose

ikaita

sokunge

haina

kundiona,

Dzimwe

nguva

munhu

haadi

mari,

Haadi

zvipo,

haadi

mashoko

mazhinji,

Anongoda

inzwi

rinoti,

“Wakadini

hako?”

Rinodzima

dutu

Kuseri

kwekunyarara

kune

nyaya

dzisingataurwi,

Kuseri

kwekunyemwerera

kune

misodzi

yakavigwa,

Musatonga

munhu

nokunyarara

kwake,

Pamwe

ari

kurwa

hondo

yaasingakwanisi

Fona

hako,

bvunza

hako,

Shoko

rako

rinogona

kumutsa

tariro!

Shanyira

hako,

nyaradza

hako,

Rudo

runotanga

nokufunga

Rangarirai

vanorwara,

Rangarirai

vakasuruvara,

Rangarirai

vakapererwa

netariro,

Nokuti

mangwana

tingava

isu

tinoda

Mwari

vakuropafadzei!

Kana

ndakanyarara,

munondibvunza

kuti

ndiri

sei!

Munenzvimbo

yakakosha

mumoyo

mangu,

Handikanganwi

rudo

rwenyu,

kunyange

makore

akapfuura!

Kune

vakambofona

vachiti,

“Ndanga

ndichida

kuziva

kuti

wakadini…”

Mwari

vakuropafadzei!

Hamungazivi

kuti

mashoko

enyu

Akandibatsira

sei

kuti

ndirambe

ndichirarama.

Rudo

harusi

pamashoko

chete;

rudo

kurangarira

mumwe

munhu

kunyange

pasina

chaunotarisira

kuwana.

Sir

Chaxi!

Munondirangarira

Iyoyo

mamukasei?,makadini?maswera

sei?yakandikoshera

ndinozvitenda

nehanya

yamuinayo

More songs by Chaxi Listen to songs created by others
FROBITS